1 Chronicles 25

Vaimbi

1Dhavhidhi, pamwe chete navatungamiri vehondo: vakatsaura vamwe vavanakomana vaAsafi, Hemani naJedhutuni kuti vaite ushumiri hwokuprofita kuchiridzwa mbira, mitengeranwa namakandira. Aya ndiwo mazita avarume vaiita basa iri.

2Kubva kuvanakomana vaAsafi:
Zakuri, Josefa, Netania naAsarera. Vanakomana vaAsafi vaitungamirirwa naAsafi uyo aiprofita achitungamirirwa namambo.
3Kana ari Jedhutuni, kuvanakomana vake:
Gedharia, Zeri, Jeshaya, Shimei, Hashabhia naMatitia, vatanhatu pamwe chete, vachitungamirirwa nababa vavo Jedhutuni uyo aiprofita achishandisa mbira mukuvonga nokurumbidza Jehovha.
4Kana ari Hemani, kubva kuvanakomana vake:
Bhukia, Matania, Uzieri, Shubhaeri naJerimoti; Hanania, Hanani, Eriata, Gidhariti naRomamiti-Ezeri; Joshibhekasha, Maroti, Hotiri naMahazioti.
5Vose ava vaiva vanakomana vaHemani muoni wamambo. Akavapiwa kubudikidza nezvivimbiso zvaMwari kuti amukudze. Mwari akapa Hemani vanakomana gumi navana, navanasikana vatatu.

6Varume vose ava vaitungamirirwa namadzibaba avo mukuimba mutemberi yaJehovha, nomukuridza makandira nemitengeranwa nembira, kuti vaite ushumiri paimba yaMwari. Asafi, Jedhutuni naHemani vaiva pasi pamambo. 7Pamwe chete nehama dzavo, vose vakadzidzira uye vakava nyanzvi mukuimbira Jehovha, vaisvika mazana maviri amakumi masere navasere. 8Vaduku navakuru pamwe chete, mudzidzisi pamwe chete nomudzidzi, vakakanda mijenya pakupiwa mabasa avo.

9Mujenya wokutanga waiva waAsafi, wakawira pana Josefa,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
wechipiri kuna Gedharia,
iye nehama dzake navanakomana vake—gumi navaviri;
10wechitatu kuna Zakuri,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
11wechina kuna Iziri,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
12wechishanu kuna Netania,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
13wechitanhatu kuna Bhukia,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
14wechinomwe kuna Jesarera,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
15worusere kuna Jeshaya,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
16wepfumbamwe kuna Matania,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
17wegumi kuna Shimei,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
18wegumi nomumwe kuna Azareri,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
19wegumi nemiviri kuna Hashabhia, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
20wegumi nemitatu kuna Shubhaeri, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
21wegumi nemina kuna Matitia, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
22wegumi nemishanu kuna Jerimoti, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
23wegumi nemitanhatu kuna Hanania, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
24wegumi neminomwe kuna Joshibhekasha,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
25wegumi nemisere kuna Hanani, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
26wegumi nemipfumbamwe kuna Maroti,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
27wamakumi maviri kuna Eriata,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
28wamakumi maviri nomumwe kuna Hotiri,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
29wamakumi maviri nemiviri kuna Gidhariti,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
30wamakumi maviri nemitatu kuna Mahazioti,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
31wamakumi maviri nemina kuna Romamiti-Ezeri,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri.
Copyright information for SnaBDSC